Ndiudze nhau dzaJesu
Methodist Nziyo 47
1
Ndiudze nhau dzaJesu, Ndinodzida, Zvinhu zvandingamubvunze Dai aripo; Mifananidzo, Zvishamiso, Nhau dzaJesu Ndinodzida.
2
Chindiudza nezvavana Vakamunzwa, Nemi ndichakomborerwa Pamwe navo; Mazwi etsitsi Namabasa, Akaitiwa, NaJesu She.
3
Tsanangura nezveshiri Namaruva Kuti zvinotaura sei Kuna vanhu; Ndoda kudzidza Kuna Jesu Rudo rwababa Kuna vana.
4
Ndiudze nechishamiso Chakaitwa Muchampupuri chikuru PaGariri; Dutu remhepo Rakamuka Rikanyaradzwa Nezwi raShe.
5
Nganditevere navana Muguta' ro, Ndichipembera zvikuru Kuna Jesu, Ndishowerere, Nokuimba Ndichimukudza Jesu Ishe.
6
Ndiudze zvakaitika Mumunda'mo, Zvokurwadziwa nokufa KwaShe wangu. Ndiudze zvose, Ndoda kunzwa Nhau dzaJesu Ndinodzida.
7
Copyright: by permission of the National Sunday School Union
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.