Bhaibheri

Chiriko chikomo kure

Methodist Nziyo 50

1

Chiriko chikomo kure Kunze kwoyo musha, Paakaroverwa Ishe, Paakatifira.

2

Hatizive isu vanhu Kurwadza kwakadii; Wakarembedzwa pamuti Nokutadza kwedu.

3

Zvino takaregererwa Nako kufa kwake, Kuti tiende kudenga, Taponiswa naye.

4

Pakanga pasina mumwe Wokutinunura; Ndiye wakava nesimba Kutipinza denga.

5

Jesu wakatida isu, Ngatimudisewo, Tivimbe neropa rake, Tichimushandira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.