Ndiudzewo rungano
Methodist Nziyo 49
1
Ndiudzewo rungano Rwakabvirwa kare RwaJesu wokubwinya Nezvo rudo rwake. Nyatso kundidudzira Sokumudukwana; Nokuti ndakaneta Ndakarukutika.
Chorus
Ndiudzezve rungano, RwaJesu worudo.
2
Taura zvishomanana, Ndigorunzwisisa Ruponiso rwapiwa Kuvatadzi seni. Pamhidza undiudze, Ndisakanganwezve Sedova rinopera Nokukurumidza.
3
Taura zvinyoronyoro Nokugwinyisisa; Yeuka, ndiri m'tadzi Ndavingwa naJesu. Ndiudze nguva dzose Kana uchizove Munyaradzi panguva Dzamadzudzo angu.
4
Taura rwakarerwo zve Kana uri kutya Kuti zvenyika ino, Zvondirasikisa. Kana zvedenga iro Zvondivhenekera, Ndiudzezve rungano RwaJesu M'ponisi.
5
Tarisazve nziyo idzi: 23, 180, 235, 285
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.