Uyai mose ticheme
Methodist Nziyo 53
1
Uyai mose ticheme, Tisedere kuM'chinjikwa; Ngatisangane ticheme: Jesu, Ishe, waroverwa.
2
Hatimuchemere here Vanhu vachimutsvinyira? Tarisai, waturikwa: Jesu, Ishe, waroverwa.
3
Zvanza netsoka zvasungwa, Miromo yake yaoma; Wakaona rudzerere: Jesu, Ishe, waroverwa.
4
Wakataura kanomwe Mazwi orudo netsitsi Kuti tigoregererwa: Jesu, Ishe, waroverwa.
5
Tsime rorutivi rwake Rinoshambidza zvitadzo: Ngatimire noM'chinjikwa: Jesu, Ishe, waroverwa.
6
Vanokumbira vopiwa Mwoyo wakapfava chose; Mwoyo ungakure rudo: Jesu, Ishe waroverwa.
7
Kuipa, norudo rwaShe Zvino zviri kurwisana; Asi rudo runokunda: Nokuti She, waroverwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.