Bhaibheri

Ndakayeva Muchinjikwa

Methodist Nziyo 60

1

Ndakayeva Muchinjikwa, Paakaroverwa Ishe, Ndinobva ndamhura zvose, Nako kuzvikudza kwangu.

2

Ramba Mwari, ndisadade, Asi nako kufa kwake, Zvose zvinhu zvave nhando, Ndazvipa kuropa rake.

3

Honai maoko, tsoka, Mobva rudo nokurwadza, Zvisati zvakamboonwa, Kunyange ngundu yeminzwa.

4

Dai zvose zviri zvangu, Hazvikwane diramhamba, Kufana norudo rwake, Rwoda zvouzima hwangu.

5

Tarisazve nziyo idzi: 108, 240

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.