Bhaibheri

Kristu Tenzi wakamuka

Methodist Nziyo 61

1

Kristu Tenzi wakamuka, Hareruya, Ingirozi dzinoimba, Hareruya Vanhu vapindurawo, Hareruya, Imbai denga, nenyika, Hareruya.

2

Wakapedza basa rake, Warwa hondo, akakunda, Watikundira rufu, Wabuda muguva rake.

3

Mambo wedu mupenyuzve, Kufa hakuchine simba, Wafa kutiponisa, Guva harichakurira.

4

Tinotapatira naye Kutevera Mambo wedu, Izvi zvose ndezvedu, Muchinjikwa, guva, denga.

5

Mambo wokubwinya kose! Upenyu husingapere Kukuzivai imi Namasimba orumuko.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.