Bhaibheri

Kristu wamuka nhasi!

Methodist Nziyo 64

1

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Ngavafare vanhu vose. Ngavaimbe pamwe chete, Farai wamuka! Farai wamuka! Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

2

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Basa guru rakapera, Mharadzi yakaparadzwa, Rufu rwazokundwa, rufu rwazokundwa. Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

3

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Watakura kuipa kwedu, Tose tinowana tsitsi. Hozana kwaari! Hozana kwaari! Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

4

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo! Ngavaimbe vanhu vose, Ngavaimbe norufaro, Nziyo dzakanaka, nziyo dzakanaka, Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.