Ndinobva kwamuri ndoenda kudenga
Methodist Nziyo 68
1
Ndinobva kwamuri, ndoenda kudenga, Ndoenda kuimba yababa; Mumba yavo tsvene, imba yorufaro, Ndinokugadzirirai nzvimbo.
2
Kana ndichienda, ndinozouyazve, Handikusiye muri moga; Asi ndinozokugamchirai ini, Kuti mugovapowo pandiri.
3
Iri'zwi raMambo, izwi rorufaro, Farai,vaKristu farai! Ishe wakaenda, asi achadzoka, Apinze kudenga imi mose.
4
Ipapo tinozogara pautsvene, Navazhinjizhinji chokwadi; Tinozoimbawo, tiri pamwe chete, Tichikudza Ishe wokudenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.