Namangwanangwana
Methodist Nziyo 69
1
Namangwanangwana Yaburuka pasi Ngirozi yaIshe Yasaira ibwe. Simudzai mazwi mose, Murumbidzei, wamuka She.
2
Vachengeti vanzwa Nokutya kukuru, Vakawira pasi Vakange vakafa.
3
Wamuka pakufa Kusingaonekwe, Wakurira guva Tenzi wazvo zvose.
4
Vana vokuyedza Simukai naye; Ndiye nyamatsatsi Anotipenyera.
5
Chisiyai muguva Kuipa kwakare; Vigwai pamwe naye; Murarame naye.
6
Tinoimba Tenzi Nemwoyo nesimba; Isu tiri venyu Imi muri wedu
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.