Jehovha ana masimba
Methodist Nziyo 7
1
Jehovha ana masimba, Zvose zvakasikwa naye; Ndiye Ishe wavo vose Ivo variko kudenga.
2
Jehovha ano ruzivo, Anoziva zvose zvinhu; Isu vanhu hatizive, Hapana chatinogona.
3
Jehovha wakarurama, Naiyo mirau yake; Nyamba isu takatadza, Tine mhosva mberi kwake.
4
Jehovha ari mutsvene, Takaipa mberi kwake; Ngatikumbire kwaari Rwose ruregero rwake.
5
Jehovha anadzo ngoni, Wotibata nadzo tose: Wakauya Mwana wake Kuponisa vanhu vose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.