Makasika zvose zvinhu
Methodist Nziyo 8
1
Makasika zvose zvinhu, Imi Mwari moga; Pasina wakuyamurai Kuzviita kwenyu.
2
Aya makomo amire Akasikwa nemi; Akamira akasimba Nokutsigwa nemi.
3
Nayo mvura yatinonwa Takapiwa nemi; Nako kudya kwatinodya Takapiwa nemi.
4
Makasika vanhu imi Nokufana nemi: Mukavapa zvinhu zvose Zvikavakodzera.
5
Nhasi vose vanotenda Nezvi zvipo zvenyu; Tipei mwoyo inokudai Sokutida kwenyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.