Heri dama rokudenga
Methodist Nziyo 90
1
Heri dama rokudenga RoMusiki wedu, Ngatirinzwise zvikuru Nayo mwoyo yedu.
2
Rinoreva nguva dzose Nokuipa kwedu, Rinotiratidza isu Zvourema hwedu.
3
Chakaipa imharadzi Chinotiparadza; Asi Jesu ndiye Shoko Rinotiponisa.
4
Ndero kuti ngatidzoke Pakuipa kwedu; Tizvirasire kwaari Muponisi wedu.
5
Ngatibatirire iye Nokushingirira; Tinoponiswa naiye Mune chakaipa.
6
Nhasi ndiro zuva rake Rokutiponisa; Wamira nengoni dzake Kuti atifadze.
7
Ngatimuke tigam'chire Iri dama rake Anozotiropafadza Nokutiponisa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.