Bhaibheri

Mwari nedzo tsitsi dzenyu

Methodist Nziyo 91

1

Mwari nedzo tsitsi dzenyu Makatipa dama renyu, Iro dama renyu guru, Rinobva iko kudenga.

2

Iro rinotidzidzisa, Iro rinotifadzisa, Rinobvisa rima rose Rinouyisa chiedza.

3

Taifamba pane nzira Inoenda kuna rufu. Dama renyu rakasvika, Tinovonga nazvo chose

4

Neri dama tapindutswa, Neri dama taponiswa, Rakatidzora pazvivi, Kuti tiende kudenga.

5

Ngarifambe iri dama, Ngadzirinzwe nyika dzose, Ridzidzise vanhu vose Vari kune nzvimbo dzose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.