Bhaibheri

Hareruya tendai SHE

RCZ Nziyo 2

Halleluja lof zij den Heer' Gez. 26

1

Hareruya! tenda-i SHE Mupire Bambo, vakudzei. Ndivakasika zvose! Unyoro hwavo chiimbai, Masimba avo rumbidzai, Vakudzwe nesu tose.

2

Hareruya! tendai Jesu; Waburukira kunesu Kurwira vanhu vose. Upenyu hwake wape 'su, Wafire zvivi zveduwo, Akudzwe nesu tose.

3

Hareruya noMweyawo, Chimutendai saizvozvo, Mumupei mwoyo wose, Unotitungamirira. Achitirayirirawo, Akudzwe nesu tose.

4

SHE, Bambo, Mwana, Mweyawo! Tinomuonga-i nesu Nenziyo dzedu dzose. She wedu, tinomukudzai, Tichida kumurumbidzai, Mukudzwe nesu tose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.