Bhaibheri

Ndinomuona Jesu

RCZ Nziyo 228

Till harlighetens land. Sv. Ps. 125

1

Ndinomuona Jesu Mokwira pakubwinya, Bva ini ndichi mweni Panyika yokuchinya. Ndofamba ndichishuva Kutama rimwe zuva.

2

Bva kana ndichishuva Ndinoti: “Dotarirai Zvomwana wenyu, Mambo, Pandichamugarira.” Ndokunzwa inzwi: “Mwanangu, Ndinokuziva hangu.”

3

Ipapo ndinoona Zvenyika yakanaka, Pandichagara nemi, Ndikabvisirwa mhaka, Ndina vatsvene venyu Kumusha woupenyu.

4

Hakune rima uko Nenhamo nokurwara Bva zvose zvakanaka Kubwinya nokufara Ngative vobwo nesu Kudenga kuna Jesu.

5

Zvamakaenda, Jesu, Muchadzokera pano. Tipei tigofamba Samakatipa mano. Okusvinura kwazvo, Tambofukidzwa hazu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.