Murukai muimbirei
RCZ Nziyo 227
Upp min tunga. Sv. Ps. 106.
1
Murukai, muimbirei Mhare yapadanda! Yatirwira nokufira Sebwizana nyoro. Akamuka nokubwinya. Achikunda rufu.
2
Wakatipa, takapiwa Kurungama kwose Wakabvisa nhamo dzedu Nokusingaperi. Dzikinuro nedzimuro Wakatiwanira.
3
Takapodzwa noMuzodzwa Wakapwanya nyoka. Zvino rufu neGehena Zvichapera simba Wakamuka, unobata Ushe huchakunda.
4
Vatsva pamwe navakuru Varumbidze Bambo. Mwana une nyasha huru Akudziwe navo. Kudzai Mweya wosesedza Isu kumufaro!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.