Bhaibheri

SHE Jesu waponiwa

RCZ Nziyo 27

De Heiland is geboren. Hall. 48.

1

SHE Jesu waponiwa PaBetrehema'po; Vatumwa vamukudza, Tondomukudzawo Wedenga wakatida, Watuma Mwana wake: Wauya pano pasi Kutiponesazve.

2

Ngati'ndewo kudanga Rushiye rurimo; Nokuti mwana uyo NdiTenzi weduwo. SHE Jesu! munzwe isu, Tichimuonga zvino; Nesu toda zvikuru Kuzomukudzawo.

3

Mauya sorushiye Nokuti matida; Mutidzidzise tose Nesu tigomuda. Masiya Bambo venyu Kuburukira kuno, Tinomuidza nhasi Mudiwa weduwo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.