Bhaibheri

Muchengeti wokudenga

RCZ Nziyo 28

Liewe He Die in den Hem Hall. 133.

1

Muchengeti wokudenga, Munogara ikoko, Iko nhasi tinofunga Kuponiwa kwenyuwo, Kwakaitwa kare kare, Mukauya kunesu; Somuchena maradzikwa Pazvipfuwo ipapo.

2

Bva tinenge takumbira Nhasi pamaiswa'po; Rwiyo rwedu rumufadze Sorwavanhu ivavo. Muchengeti, tinoonga Rudo rwenyu irworwu, Rwakazarurira isu, Suwo rokudengawo.

3

Ndimi maponerwa pano, Mukazotifirawo, Kutigadzirira apo Patingandofara'po; Tichimuimbira zvino Tichimukudzisazve. Shandurai mwoyo yedu, Ive imba yenyu, SHE!

4

Mwoyo yedu nemiviri, Zvose zvedu zvenyu SHE Tenzi wedu, chipindaimo, Musabva matirizve; Tiratidzei nzira yenyu, Titeverei nesu; Kuti tose tiri pano Tindofara ikweyo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.