Bhaibheri

Waniso

RCZ Mirairo 9

1

Hama dzangu, Imi, ........na........ mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga, ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama noruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa Adama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi wakamufanira kuti ave mukadzi wake. PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari chaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana wakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda kwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave nomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo pamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari, haifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga. Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa vagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi napakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo panzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve, nokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari vaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere yaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa. Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro pezvavanofanira kuitirana, Zvino mufundisi achati kumurume: Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti umutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita musoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke yake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze, uchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi venhaka yenyasha dzaMwari. Zvino mufundisi achati kumukadzi: Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama sezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera Kristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba yako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira uchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka. Mufundisi achati kuna vanowaniswa: Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana). Achati. kumurume: Iwe.... ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti ndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange kuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi, sezvandinorayirwa neShoko raMwari. Achati kumukadzi: Iwewo.... ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti ndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara naye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari. Ropafadzo Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo rwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.