Bhaibheri

O Baba, Nomusiki

Salvation Army · Nziyo · 119

O Father And Creator

1

O Baba, noMusiki Worudo rutsvene, Uyai makazara Burukai kudenga Makapa mwana wenyu Kuti andifire. Ndinokupfugamirai, Zvose ndokupirai.

2

O Kristu, Mununuri, Zvose makandipa, Neropa renyu, Ishe, Kundisunungura. Ndidzidzisei kukupai Muviri nepfungwa; Muuye norunako Kuzadzisa mwoyo wangu.

3

Naye Mweya M'tsvene, Murovese hana! Mandiri uyai mugare Mundisimbaradze. Mwenje uchivheneka, Nzira yooneswa; Garai, O Mweya M'nyoro, Ndive nechokwadi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.