Bhaibheri

Uyai, Samasimba

Salvation Army · Nziyo · 120

Come, Thou Almighty King

1

Uyai, 'Samasimba', Ti'mbe zita renyu, Tikukudzei; Baba worubwinyo, Mukundi wazvose, Uyai mutonge, 'She wekare.

2

Uyai, 'Shoko benyu', Mushonga munondo, Tinamate; Natsai vanhu venyu, 'Zwi renyu rikunde, Mweya woutsvene, Uyai zvino.

3

Uyai, 'Munyaradzi, Pupurai utsvene Nguva ino; Wamasimba ose Tongai mwoyo yose, Musazotisiya Mweya Mutsvene.

4

KuVatatumumwe, Kudzwai narinhi, Misi ose, Noumambo hwenyu, Tione murubwinyo; Tikudze norudo, Narinhiwo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.