Bhaibheri

Inzwa Dama Revhangeri

Salvation Army · Nziyo · 121

Hark! The Gospel News Is Sounding

1

Inzwa dama revhangeri Kristu wafa pamuti; Hova dzetsitsi izhinji, Ngoni zve dzepachena; Zvino m'tadzi, zvino m'tadzi, Ona wakakufira.

2

Kunero gomo, mhanyira, Wana bako maari; 'She wokukoka kutsime, Uyawo ushambidzwe; Kurumidza, kurumidza, Uya kwaari zvino.

3

Ngoni dziri kuyerera, Zviuru zvakapiwa; Dzichayerera narinhi, Kubva padivi raShe; Hapana kufa, Hapana! Kristu wakatifira.

4

Kristu, 'She, mugove wedu, Tosangana kudenga; Tichashamba mugungwaro Rudo rwoMuponisi; Utsvene hwake, Utsvene hwake, Tichagarohuziva. Henry Frances

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.