Bhaibheri

Ndasarudzwa Najesu

Salvation Army · Nziyo · 128

I'm Set Apart For Jesus

1

Ndakasarudzwa naJesu, Kuti ndive wake; Iye upenyu hwangu, Ndanzwa rudo rwake, Ndakatsaukaniswa, Mukuipa kwose, Zvose ndinozvipira Kuna Mwari, Ishe.

2

Ndasarudzwa naJesu, Anondichengeta; Ndomupa mwoyo wangu Anoushambidza. Hatitsaukaniswe, Tiri mumwechete, Nokuti ndiri wake, Ari wangu, Iye.

3

Ndasarudzwa naJesu, Naye ndigogara; Anondisunungura, Mhandu anotanda; Anondipa masimba, Mukuedzwa kwose; Naye nokuzvipira, Ndingakunde nyika.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.