Who Is On The Lord's Side
1
Ndiani muKristu? Abatire Ishe? Ndiani anoda Kuwana vamwe? Ndiani wosiya Zvinhu zvenyika? Ndiani muKritsu, Anomurwira?
Chorus
Nom'towo waIshe, Nomutsa wake, Tiri vashandiri VaKristu Ishe.
2
Hatide kukudzwa, Kana nokugadzwa; Asi, tasarudza Nzira yokurwa, Nom'towo wokuda, Vaakafira, Waanodaidza, Anomurwira.
3
Jesu matitenga Pasina ndarama; Asi ropa renyu Ratinunura. Gomborero renyu Rotizadzisa, Nemi tinobvuma Tasunungurwa.
4
Kurwa naSatani Ndiko kukukutu; Asi ichakunda Hondo yaKristu. Pasi pomureza Tiri kurwira, Neizwi raJesu Tinozokunda.
Chorus
Tenzi, tichengetei Nendoni dzenyu, Kuti tigorwira 'She, tiri venyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.