Bhaibheri

Ndichimboita Kuipa

Salvation Army · Nziyo · 179

In Evil Long Took Delight

1

Ndichimboita kuipa, Ndisina nokutya; Dakara ndaona uso Hwakandikarira. Gwayana raroverwa, Gwayana reKarivhari, Riripo rakabayiwa Ndiye Mununuri.

2

NdiJesu waroverwa, Iye wakarwadzwa; Kwandiri wakatarisa, Ari paM'chinjikwa.

3

Handichazokukanganwa Kutarisa kwake; Kwandiri wakatarisa, Ari paM'chinjikwa.

4

Hana yakabvuma mhosva, Yakanditsamwisa; Ndakaona zvivi zvangu Zvamuroverera.

5

Kana pane rumbo rwandingaimbe, Murunako Mambo ndomuona, Rumbo urwu ndoimba narini Chishamiso, Jesu anondida.

6

Muchokwadi ndinozorora; Ndovimba naye ndokomborerwa; Satani wogumbuka, wotiza, Ndamuudza, Jesu anondida.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.