I Am So Glad
1
Ndinofara Baba wokudenga Woreva rudo mugwaro rake; Ndoona mubhuku zvishamiso Zvinoti: Jesu anondidawo. Ndinofara Jesu wandida, Anondida, anondida, Ndinofara Jesu wandida, Ini anondida.
2
Jesu anondida, ndinomuda, Rudo rwake rwakandinunura; Nm'towo werudo wandifira; Ndine chokwadi Jesu wondida.
3
Kana ndikabvunzwa ndingatii? Mbiri kuna Jesu ndinoziva; Mweya Mutsvene tobvumirana, Topupura Jesu anondidisa.
4
Ndasiya zvenyika, Jesu wangu; Ndinoda zvedenga, Jesu wangu; Ndiye Mununuri, Ndiye Muchengeti, Ndiye Muponisi, Jesu wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.