The Gospel Story Is Proclaimed
1
Vhangeri rinoparidzwa Kunyika dzose dzose; Neshoko roruponiso Kwauri iwe neni. "Mwari wakada nyika, Akapa Mwana wake Kuti anomutenda, Ararame narinhi"
Chorus
Dama raparidzwa Kunyika dzose dzose; Vhangeri rounza Mashoko oruponiso.
2
Dama rinotishevedza, Kumabiko avose, Usazoramba rukoko, Kana kudana kw'She. "Ndiri chingwa choupenyu, Idyai mune nzara; Nyangwe zvivi zvatsvuka, Zvichachena sechando."
3
Matama anoyambira, Pazuva roga roga, Zvinoitika kwavari Tizira kuupenyu Usagare murenje; Usatarise shure, Kana nokudududza, Kuti usaparadzwe."
4
Matama anofadzisa Anoparidzwa kwose; Azere ruregerero RwaIshe aroverwa. Dama rinofadzisa, Rounzwa kuna vose, Vanotenda kwaari Vowana ruponiso. VI UPENYU HWOUTSVENE NOKUZVIPIRA MUBASA Life Of Holiness, Consecration And Service
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.