Jesus, Precious Saviour
1
Jesu Muponisi, mandiponisa, Makandinunura kuzvakaipa, Ndokushandirai mazuva ose, Nokukunamatai, Ishe wavose. Ndinopira mwoyo Kwamuri ' She wangu Ndopira upenyu
Chorus
Kutsvaga vanhu.
2
Ndichatevera ndichizvideredza Mumatambudziko ndichavimbika Muchinjikwa wenyu ndoutakura Kuti ndizopinda nemi kudenga.
3
Muzviedzo zvose, ndichatendeka, Zvose zvoitika ndichagam'chira; Kuti ndiyamure vatadzi vose, Ndipei simba renyu, Mambo wavose.
4
Vanhu vanoshaya mwenje waMwari, Ndiyamurei kutora dama kwavari, Simba rasatani, richakundika, Mugadzwe Ishe wavose panyika.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.