The Lord Is King! I Own His Power
1
Ndine rake simba, Mambo, Rokutonga nguva dzose; Nemwoyo wake ndowangu, Nezvaanoda ndoita.
2
Anoda mwoyo uchene Kubva manyangadzo ose; Anokumbirazve chido, Chorudo runoterera.
3
Anoda ndimushandire; Mumabasa anokosha, Anoda tsoka dzifambe Nesimba mazuva ose
4
Anoda miromo kuti Itaure zvakachena; Ndangariro, pfungwa, zvose, Zvimufadze, Ishe wangu.
5
Anoda uduku hwangu, Nokuvavarira idi; Nezvandigona zvose Izvo zvingamushandire.
6
Ishe,kwamuri ndouya, Ndofara kukushandirai; Mondipa zvandichaita; Ndokupai upenyu hwangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.