Would Jesus Have The Sinner Die?
1
Angafe here mutadzi? Jesu waturikirwei ? Kuchema uko ndokwei? Anonamatira imi: Baba muvaregerere, Nokuti havandizive
2
Jesu wakabva kudenga Kuti atidzikinure; She werudo runogara, Kuti nyika iponiswe, Mweya uve mupuputi Wo kuti makafira ini.
3
Gwayana rokununura Nokutambudzika kwenyu, Nokusuwa paM'chinjikwa Takacheniswa zvachose, Kunyadzwa, neropa renyu, Bisai, mubise zvitadzo.
4
Ndisvipure tsoka dzenyu, Dzishambidzwe nemisodzi; Ngandiudze rudo rwenyu, Munzeve dzavo vatadzi; Kuti vose vaponiswe, Nokuti ndanzwirwa tsitsi.
5
Rudo rwenyu rwundimutse, Rudo rwenyu rwepachena; Kuti vakaipa vose Vanzwe tsitsi dzandiwana, Kuti vose vaziviswe Rudo rwenyu rusingafe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.