Bhaibheri

Tora Nguva Kuti Uve Mutsvene

Salvation Army · Nziyo · 230

Take Time To Be Holy

1

Tora nguva kuti uve mutsvene, Ugare maari, taura naye; Uve shamwari yevana vaMwari, Utsvakewo makomborero ake.

2

Tora nguva ona nyika yopfuura, Iva muchivande naJesu woga; Ukamutarisa wova saiye, Mauri shamwari dzoona Ishe.

3

Tora nguva kuti utungamirwe, Usamupindire pamberi pake; Murufaro nenhamo tevera 'She, Usazozvinonotse, famba naJesu

4

Tora nguva kuti uzvidekadze; Kufunga nezvido zvitongwe naye; Utungamirwe noMweya worudo, Uchagadzirirwa basa kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.