Jesus Lover Of My Soul
1
Jesu, mudi womweya, Kwamuri ndotizira Mvura ichi shinyira, Mhepo ichivhuvhuta. Ndivanzei, Muponisi, Padutu roupenyu; Ivai mutungamiri, Gam'chirai mweya wangu.
2
Rimwe bako handina, Ndotsamira kwamuri; Regai kundisiya, Ngandinyaradzwe nemi. Ndovimba nemi chete, 'She, mubatsiri wangu; Ndidzivirire, Ishe, Namapapiro enyu.
3
Kritstu, ndokudai chete, Zvose zviri mamuri; Simbisai vakaziya, Ponesaiwo zita dzvene, Munaro zita dzvene, Ini, ndiri mutadzi; Nokuipa ndizere, Mune idi nengoni.
4
Munadzo tsitsi zhinji kuregerera zvivi, Rukova rwokurapa, Rwundirape mukati, Muri tsime ro' penyu Ngandizadziswe nemi, Garai mumwoyo wangu, Imi, rinhi narinhi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.