When Peace Like A River
1
Kana nzira yangu ino rugare, Kana zvisuwo zviripo, Panzvimbo dzose makandidzidzisa Kuti zvakanaka mumwoyo.
Chorus
Rugare mumwoyo (pamidza) Runyararo mumwoyo wangu.
2
Kunyangwe satani achindinetsa, Ndiyeuke dzose nguva; Kristu anoziva zvandinoshaya, Akandiparadzira ropa.
3
Kristu muri wangu, noupenyu hwangu Kana ndasvika pakufa, Handichazotya nokuti ipapo, Rugare rwenyu muchandipa.
4
Ishe, togarira kuuya kwenyu, Patichaenda kudenga; Zvofadza sei kunzwa izwi raShe, Richipa mwoyo kuzorora.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.