Bhaibheri

Ngaripfuga Mirwe Zita

Salvation Army · Nziyo · 42

1

RAJESU At The Name Of Jesus

2

Ngaripfugamirwe Zita raJesu: Ndimi dzose dziti; Mambo wedenga. Zvinofadza Baba Kumuti Ishe, Kubva kumavambo Waive Izwi.

3

Zvose zvakavepo Neizwi rake; Nengirozi dzose; Umambo nesimba, Kana nyenyedzi; Zvose zvokudenga Uzhinji hwazvo Nazvino ndiye.

4

Wakaninipiswa Kwechinguvana, Naivo vatadzi Vaakavinga. Wakazvitakura Asina vara; Akave mukundi kukunda rufu.

5

Wakakunda zvose, Zvose zvounhu, Kumarudzi ose Nesimba rawo, Kusvika chigaro ChaMwari Baba Achizadzisa Norurumbidzo

6

Mumwoyo mugadze Kuti akunde Zvose zvakan'ora, Zvisina idi. Mugadze segamba Nomuyedzo; Naye ufungatwe Uchaniswe naye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.