Let Heaven And Earth Agree
1
Pasi nokudenga, Ngirozi navanhu Ngazvibvume neni M'ponisi wavose; Ngazvirumbidze Gwayana, Zvikudze zita raJesu.
2
Jesu, ndorufaro Rwepasi nedenga; Ndiye rubatsiro, Ndiye zita chete Rinotipa ruponiso Nokudzikinura nyika.
3
Zita rinobvisa Mutadzi muzvivi, Rumbo runofadza, Hupenyu kwaari Anoimba nziyo itsva, Mwoyo wova norufaro.
4
Rudo rwakadzama, Ruzere nengoni, Rwakachimbidzika Kuzotinunura: Ndingazviparidze sei Zvamakaitira vanhu?
5
Zvinoda mumhanzi Kuzivisa vose, Kuzivisa mwoyo: 'She wakavafira, Ishe wakarovererwa, Ishe akafira vose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.