Bhaibheri

Maiwe! M'ponisi Wangu

Salvation Army · Nziyo · 76

Alas, And Did My Saviour Bleed

1

Maiwe! M'ponisi wangu, Wandifira here? Wakazvipa Ishe wangu, Kuti ndiponeswe? Muponisi ndiyamurei, Kuti ndivimbike; Napakutonga kwenyu 'She, mundirangarire.

2

Nom'towo wemhosva yangu Warwadzwa pamuti; Ingoni netsitsi huru, Norudo kwandiri.

3

Zuva ravanzwa nerima. Rashaya kupenya, ZvaKristu wakavafira Vanhu vanotadza.

4

Jesu, handingairipe Mhosva yandinayo! Zvino, ndinozvipira ;She, Kwamuri, kudaro.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.