Dark Was The Hour
1
Mugetsimani, murima, Kwakanzwika izwi RaJesu, achiteura Pamberi paMwari. Panzvimbo iyo, Inzwa kuchema; Tarisa Jesu M'ponisi Ndiye anoteuta.
2
Ari oga mukutora Zvakaipa zvedu; Hakutaurwe kusuwa, Misodzi neropa.
3
Iye wopfugama pasi, Mwana 'yo waMwari; Mukusuwa anochema: Baba, ndoterera.
4
Handingakanganwe ropa Nemisodzi yake; Zvinoramba zvoyerera Kuti ndishambidzwe.
5
'She anondinamatira, Anondigamuchira, Jesu, bisai zvakaipa; Zvino, ndinotenda.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.