Bhaibheri

'wokusuwa' Wakanzi

Salvation Army · Nziyo · 86

Man Of Sorrows

1

'Wokusuwa' wakanzi, Iye Mwana waMwari Wakavada vatadzi Hareruya! Muponisi!

2

Wasekwa nokutongwa, Wakaparadza Ropa, Iro randinunura; Hareruya! Muponisi!

3

Tiri vatadzi chose, Asi iye Mutsvene; Angatidzikinure; Hareruya! Muponisi!

4

Wakasimudzwa wofa, Wakachema: Zvapera! Agerewo kudenga Hareruya! Muponisi!

5

Pakuuya kwake'She, Kuti titorwe naye, Tichaimba zvakare: Hareruya! Muponisi!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.