Bhaibheri

Mununuri Wakamuka

Salvation Army · Nziyo · 89

I Know That My Redeemer Lives

1

Mununuri wakamuka, Izvi zvinondifadzisa; Ndiye wakakunda guva, Achaponisa nesimba.

Chorus

Pam'soro peizwi iri, Ngaatendwe! Ngaatendwe! Pam'soro peizwi iri, Ngaatendwe! Ngaatendwe!

2

Ndokomborerwa norudo, Zve, anondiregerera; Anobisa kwose kutya, Misodzi anopisika.

3

Iye ndiye hama yangu, Anondida nguva dzose, Wondigadzirira nzvimbo, Wondigadzirira uko.

4

Zita rake ngarikudzwe 'She, Jesu, haapinduke; Ini ndofara kuziva Kuti Kristu wakamuka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.