1
MUPENYU I Serve A Risen Saviour
2
Ndoshandira M'ponisi, Mupenyu munyika; Ndoziva akamuka, Vamwe vacharamba; Ruoko runetsitsi, Ndonzwa izwi rake, Nguva yondomudana Ari pedyo.
Chorus
Ari M'penyu , ari M'penyu Jesu, Iye anofamba neni Murwendo rwo'penyu Ari M'penyu kuponisa vanhu, Ndinoziva izvi sei? Mupenyu mandiri.
3
Munyika yandigere Inorudo rwake; Kana mwoyo waneta Nganditsungirire; Wonditungamirira Kana kwovhuvhuta, Zuva raachadzoka Richasvika.
4
Faraiwo vaKristu Imbai nezwi renyu Muchiti: 'Hareruya! Kuna Jesu Kristu; Tariro yavatsvaki, Anovayamura, Rudo rwake rwokunda, Anomutsa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.