Bhaibheri

Mukudzenyi Mukudzenyi

SDA Nziyo 228

1

Mu-ku-dze-nyi! Jesu mununuri wedu! Imba nyika nerudoro rwake! Mu-ku-dze-nyi Ngirosi huru yembiri; Mupe iye simba nerukudzo! Jesu mufudzi ne mutungamiriri, Ano tungamira nguva dzese.

Chorus

Mu-ku-dze-nyi! Taura ukuru hwake! Mu-ku-dze-nyi!’Imba ne rufaro.

2

Mu-ku-dze-nyi! Jesu mununuri wedu!Akatifi-razvitema zvedu; Dombo redu, tariro yeruponeso! Mu-ku-dze-nyi Jesu, arowerwa ipambiri! Akatisunungura, Rudo rwake runoshamisa.

3

Mu-ku-dze-nyi!, Jesu mununuri wedu!’ Wekudenga woimba, Hosana! Jesu Tenzi,Achazotonga narini; Mupe ch’remba, Mupristi naMambo!’ Kristu ouya achazotonga pasi Simba, mbiri zvose ngezva Tenzi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.