Mweya Mutsvene Muri Mwari
UMC Nziyo 101
1
Mweya Mutsvene muri Mwari Ndinotambudzika, Mwoyo wangu unochema Ndinomuda zvino.
Chorus
Ndizadzeyi ndizadzeyi Uyai Mweya zvino, Pindai mwoyo mangu Mweya kuti ndisimbiswe.
2
Ndine nungo zvirokwazvo Ndinoshaya simba, Asi mukandisimbisa, Ndinokunda zvese.
3
Ndinoziva basa renyu Kuti rakanaka, Munotungamira vese Vanomutevera.
4
Kuti ndichitungamirwa Handichawi pasi, Handichamusiyi, Baba, Kana nzira dzenyu.
5
Nzira dzenyu dzakanaka, Dzine ruveneko, Dzine zano rekufamba, Zvakanaka kwazvo.
6
Muri mubatsiri wangu, Mutendeki kwaye, Avo vanomutevera Vanokomborerwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.