Bhaibheri

Mweya M'tsvene, Tinzwei

UMC Nziyo 100

1

Mweya Mutsvene tinzwei apo tinoimba Ivai munzvimbo zvimukudze.

2

Mweya Mutsvene, inzwai miteuro yedu, Uyai, tidzidzisei kuda kwenyu zvino.

3

Mweya Mutsvene, wonai iri Bhuku dzvene, Bhuku reupenyu, venekerai mazwi.

4

Mweya Mutsvene, tipei mwoyo yakativa, Yakadai naJesu, nguva dzese dzese.

5

Mweya M`tsvene torai zvipo zvedu nhasi, Ngazvisevenzeswe basa renyu chete.

6

Mweya M`tsvene, zvino apo tinotenda, Kunemisha yedu, mutitungamire. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.