Bhaibheri

Uyai Mweya Mutsvene

UMC Nziyo 106

1

Uyai Mweya Mutsvene Nesimba renyu guru, Musununguri wezvitema Kutya neurombo. Uyai muzvipise Zvinokuvadza mweya, Mudyare mbeu dzenyu Mweya dzinondishingisa.

2

Ngandive ndinofamba Munzira yenyu kwayo, Mundiratidze kuda kwenyu Kuti ndikuite; O nditungamirireyi Miswere yese yese, Hupenyu hwangu kune vamwe Huve chiratidzo.

3

Ivayi mbowo, Baba, Mundionese kuti Muzvinhu izvo ndinoita Ndichimufadzisa; Mundipe izvi zvinhu Ndamukumbira, Baba. Kudzamara ndiuyevo Kune musha wenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.