Mweya Mutsvene Idi
UMC Nziyo 107
1
Mweya Mutsvene idi Uya penya mandiri, Kupenya kwemukati Kundionesa ini.
2
Mweya Mutsvene, Rudo Dziisai mwoyo wangu, Muzadzwe pfungwa tsvene, Kuzvida kwangu kufe.
3
Mweya M'tsvene, Mutongi, Tonga hana muneni, Kana mave She wangu, Ndosununguka zvangu.
4
Mweya M'tsvene, Rugare Mwoyo wangu ngaunyaradzwe; Ngaugarike kwazvo; Murudzikamo rwako.
5
Mweya M'tsvene, Rufaro, Fadzisa wangu moyo Mugwenga ngandiimbe, Rufaro ruve tsime.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.