Uri Kutambudzikireyiko
UMC Nziyo 111
1
Uri kutambudzikireyiko Zviudze Jesu zviudze Jesu, Muponesi anokuponesa Zviudze Jesu nyamusi.
Chorus
Zviudze Jesu zviudze Jesu Ndiye shamwari nehama, Hakuchina umwe wakadaro Zviudze Jesu nyamusi.
2
Misorodzi ndeyeyiko, hama? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Munyaradzi anokunyaradza, Zviudze Jesu, pachako.
3
Uri kutya dambudziko here? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Uri kutya ramangwana here? Zviudze Jesu nyamusi.
4
Uri kutya rufo here, iwe? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Uyo wakakunda rufo rwake, Anozokupa rukundo.
5
Unoshaya anotungamira, Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Mweya M'tsvene ndiMutungamiri, Zviudze Jesu nyamusi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.