Inzwa Mweya Wangu
UMC Nziyo 112
1
Inzwa mweya wangu Muponesi wako Ari kuti zvino unondida here, Zvinhu zvese pasi zvinotsakatika Asi rudo rwangu haruzopanduki.
2
"Kuti ukarasa rudo rwakadaro Unoraswa neni, unochema kwazvo; Une nguva zvino, ita munhu kwaye, Kuti uchiramba une pfumvu huru."
3
"Hauzivi here kuti zvakanyorwa, Kuti vanotenda vachatonga pasi; Kuti wazopedza basa rako pano, Uchatonga neni pachigaro changu."
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.