Baba Zvino Tinokudza
UMC Nziyo 12
1
Baba zvino tinokudza Imwi neumambo hwenyu, Muri buwe remakore Munogara nekugara. Ruponeso rwenyu Baba runogara rwakadaro, Vanhu venyu vese Baba Vanogara nemasimba.
2
Wonai ruponeso rwenyu, Runofanza nekukasa, Rune zvese zvakanaka Nechitsidzo cheupenyu; Hatichazotambudziki, Hatichazoshayi chinhu, Tina Mwari wakanaka, Muchengeti, Mumiriri.
3
Tinokomborerwa naye Masikati neusiku, Nguva dzese ari padyo
4
Kuwonesa nzira yedi; Nhasi, tinomukumbira Mazwi akanaka kwazvo, Tinomupa rukudziso, Uyo ane simba rese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.