Baba wedu Tinoimba
UMC Nziyo 13
1
Baba wedu tinoimba Mwakasika denga, Zviro zvese zviri pasi Zvakasikwa ndimwi, Zviro zvese zviri pasi Zvakasikwa ndimwi.
2
Imi mune nyasha huru, Makatipa Jesu, Kuti atisunungure Pane zvakaipa, Kuti atisunungure Pane zvakaipa.
3
Mwari, muri zvirokwazvo, Makakunda mhandu, Ngavaimbe kwamuri Vanhu vari pasi; Ngavaimbe kwamuri Vanhu vari pasi.
4
Ingirozi dzinoimba Rukudzo rwenyu, Nesu tinomuimbira Nziyo nguva dzese; Nesu tinomuimbira Nziyo nguva dzese.
5
Tinohwararira imi O kupenya kwedu, Tinomukumbira isu, Ngatikomborerwe; Tinomukumbira isu, Ngatikomborerwe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.