Bhaibheri

Munoziva Here Hama

UMC Nziyo 122

1

Munoziva here hama kuti Jesu wakanaka Wakasiya Baba wake kuponesa warasiki, Ane mwoyo wakatiwa ane nyasha kune vese Anotsvaka vese avo vanoneta nezvitema.

Chorus

Anomuda imi mese Ari kudaidza imi, Ari kumirira zvino Uyai mupei mwoyo yenyu.

2

Munoziva here kuti Jesu ndiye Mwari diko? Wakapiwa simba rese, Baba wake wakamupa; Ndizvo anotonga vese pakuguma kwe'ri pasi; Musarege kumuziva, pindukayi zvinopano.

3

Hamuzivi here, hama, kuti Mwari anotida? Anoziva zviro zvese izvo zvinotinakira; Ngatirege zvakaipa, tibatise zvakanaka, Ngatigare kuna Kristu, tinofadzwa zvirokwazvo.

4

Zvakanaka zvinogara, zvakaipa zvinozofa, Vakanaka vanofara, vakaipa vanochema; Huyai, kudzai Jesu Kristu, munokomborerwa ndiye. Ngatiende isu tese, tindogara naye pamwe

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.